Psalms 111

1Rumbidzai Jehovha.

Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose,
padare ravakarurama nepagungano.

2Mabasa aJehovha makuru;
anorangarirwa navose vanofara maari.
3Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo,
uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe;
Jehovha ane nyasha nengoni.
5Anopa zvokudya kuna avo vanomutya;
anorangarira sungano yake nokusingaperi.
6Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake,
achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.
7Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama,
mitemo yake yose yakavimbika.
8Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri,
yakaitwa mukutendeka nokururama.
9Akapa dzikinuro kuvanhu vake;
akasimbisa sungano yake nokusingaperi,
zita rake idzvene uye rinotyisa.

10Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;
vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.
Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.
Copyright information for SnaBDSC